75 muutsvene nokururama pamberi pake mazuva edu ose.
76 “Uye iwe, mwana wangu, uchanzi muprofita woWokumusoro-soro;nokuti uchatungamira pamberi paShe kuti umugadzirire nzira,
77 kuti ape vanhu vake ruzivo rworuponeso kubudikidza nokuregererwa kwezvivi zvavo,
78 nokuda kwomwoyo munyoro waMwari wedu,naye zuva richatibudira richibva kudenga,
79 kuti rivhenekere pamusoro paavo vagere murima nomumumvuri worufu,uye kuti usesedze tsoka dzedu munzira yorugare.”
80 Uye mwana akakura akava nesimba mumweya; uye akagara mugwenga kusvikira azoonekwa pachena kuvaIsraeri.