5 “Pamunopinda mumba, mutange kuti, ‘Rugare ngaruve muimba ino.’
6 Kana munhu worugare arimo, rugare rwenyu ruchazorora pamusoro pake; kana zvikasadaro, ruchadzokera kwamuri.
7 Garai muimba iyoyo muchidya nokunwa zvose zvavanokupai nokuti mubati akafanirwa nomubayiro wake. Musapota-pota nedzimba.
8 “Pamunopinda muguta uye vakakugamuchirai, mudye zvose zvinoiswa pamberi penyu.
9 Poresai vanorwara varimo mugovaudza kuti, ‘Umambo hwaMwari hwaswedera.’
10 Asi pamunopinda muguta uye mukasagamuchirwa, muende munzira dzaro mugoti,
11 ‘Kunyange neguruva reguta renyu rakanamatira patsoka dzedu tinoripukuta nokuda kwenyu. Asi muzive izvi: Umambo hwaMwari hwaswedera.’