2 Iye akati kwavari, “Kana muchinyengetera, muti:“ ‘Baba vedu vari kudenga,zita renyu ngarikudzwe noutsvene.Umambo hwenyu ngahuuye.Kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvinoitwa kudenga.
3 Tipei zuva nezuva chingwa chedu chamazuva namazuva.
4 Uye mutiregerere zvivi zvedu;nokuti nesuwo tinoregerera vose vanotitadzira.Tibatsirei kuti tisapinda mukuedzwa;uye mutinunure pane zvakaipa.’ ”
5 Ipapo akati kwavari, “Kana mumwe wenyu ane shamwari, uye akaenda kwaari pakati pousiku akati, ‘Shamwari, ndikweretesewo zvingwa zvitatu,
6 nokuti shamwari yangu iri parwendo yasvika kwangu, uye ini handina chandingamupa.’
7 “Ipapo uya ari mukati akati, ‘Rega kundinetsa. Mukova wangu watopfigwa, uye vana vangu neni tavata. Handikwanisi kumuka kuti ndikupe kana chinhu.’
8 Ndinokuudzai, kuti kunyange asingazomuki kuti amupe chingwa nokuda kwokuti ishamwari yake, asi nokuda kwokushinga kwomunhu uyu, achamuka agomupa zvose zvaanoda.