29 Musaisa mwoyo yenyu pane zvamuchadya kana kunwa; musafunganya pamusoro pazvo.
30 Nokuti vahedheni vanomhanyira zvinhu zvose zvakadaro, uye Baba venyu vanoziva kuti munoshayiwa izvozvo.
31 Asi tsvakai umambo hwavo, uye zvinhu zvose izvi zvichapiwa kwamuri.
32 “Musatya henyu, imi kapoka kaduku, nokuti Baba venyu vakafadzwa nokukupai umambo.
33 Tengesai zvamunazvo mugopa varombo. Zviitirei zvikwama zvisingasakari, nepfuma isingaperi kudenga, kusina mbavha inoswedera pedyo uye kusina zvipfukuto zvinoparadza.
34 Nokuti pane pfuma yako, ndipo pachava nomwoyo wakowo.
35 “Zvishongedzei mugadzirire kushanda uye mwenje yenyu igare ichipfuta,