1 Jesu akati kuvadzidzi vake, “Zvinhu zvinoita kuti vanhu vatadze zvinototi zviuye, asi ane nhamo munhu uyo anouya nazvo.
2 Zvaiva nani kwaari kuti guyo risungirirwe pamutsipa wake agokandwa mugungwa pano kuti atadzise mumwe wavaduku ava.
3 Saka zvingwarirei.“Kana hama yako ichitadza, itsiure, uye kana akatendeuka, umuregerere.
4 Kana akakutadzira kanomwe pazuva, uye akadzoka kwauri kanomwe achiti, ‘Ndatendeuka,’ muregerere.”
5 Vapostori vakati kuna She, “Tiwedzereiwo kutenda kwedu!”