17 Jesu akati, “Ko, havazi vose gumi vakaporeswa here? Ko, vamwe vapfumbamwe varipi?
18 Kwashayikwa mumwe woga adzoka akazorumbidza Mwari kunze kwouyu mutorwa here?”
19 Ipapo akati kwaari, “Simuka uende; kutenda kwako kwakuporesa.”
20 Akati abvunzwa navaFarisi kuti umambo hwaMwari hwaizosvika riini, Jesu akapindura akati, “Umambo hwaMwari hahuuyi nokunyatsocherechedza kwenyu,
21 uye vanhu havangati, ‘Hohuno pano’ kana kuti ‘Uho uko,’ nokuti umambo hwaMwari huri mamuri.”
22 Ipapo akati kuvadzidzi vake, “Nguva iri kuuya yamuchashuva kuona rimwe ramazuva oMwanakomana woMunhu, asi hamuzorioni.
23 Vanhu vachati kwamuri, ‘Hoyo uko!’ kana kuti ‘Houno pano!’ Musamhanya muchivatevera.