40 Jesu akamira ndokurayira kuti murume uyu auyiswe kwaari. Akati aswedera pedyo, Jesu akamubvunza akati,
41 “Unoda kuti ndikuitireiko?”Iye akapindura akati, “Ishe, ndinoda kuti ndione.”
42 Jesu akati kwaari, “Chiona; kutenda kwako kwakuporesa.”
43 Pakarepo akaona akatevera Jesu, achirumbidza Mwari. Vanhu vose vakati vachizviona, naivowo vakarumbidza Mwari.