2 Maiva nomurume ainzi Zakeo; akanga ari mukuru wavateresi uye akanga akapfuma kwazvo.
3 Akauya achida kuona Jesu kuti ndiani, asi nokuda kwokuti akanga ari munhu mupfupi, akatadza kuona nokuda kwavanhu vazhinji.
4 Nokudaro akamhanyira mberi akandokwira mumuti womuonde kuti amuone, sezvo Jesu akanga achienda naipapo.
5 Jesu akati asvika panzvimbo iyoyo, akatarisa kumusoro ndokuti kwaari, “Zakeo, buruka nokukurumidza. Ndinofanira kundogara mumba mako nhasi.”
6 Saka akakurumidza kuburuka akamugamuchira nomufaro.
7 Vanhu vose vakaona izvi vakatanga kugunun'una vachiti, “Aenda kundova mueni wo‘mutadzi.’ ”
8 Asi Zakeo akasimuka akamira pamberi paShe akati, “Tarirai, Ishe! Pano, uye iye zvino, ndinopa hafu yepfuma yangu kuvarombo, uye kana ndakanyengera ani zvake pachinhu chipi zvacho, ndichadzosera zvava zvina.”