2 uye vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro vakanga vachitsvaka nzira yavangabata nayo Jesu, nokuti vakanga vachitya vanhu.
3 Ipapo Satani akapinda muna Judhasi, ainzi Iskarioti, mumwe wavane gumi navaviri.
4 Uye Judhasi akaenda kuvaprista vakuru navakuru vavarindi vetemberi akandorangana navo kuti angapandukira Jesu sei.
5 Vakafara uye vakatenderana kuti vaizomupa mari.
6 Akatenda, akatsvaka mukana wokuti aise Jesu kwavari pasina vanhu vazhinji.
7 Ipapo zuva reZvingwa Zvisina Mbiriso rakasvika, iro raifanira kubayirwa gwayana rePasika.
8 Jesu akatuma Petro naJohani, achiti, “Endai mundotigadzirira Pasika tidye.”