27 Nokuti ndianiko mukuru kuno mumwe, uyo agere patafura kana kuti uya anoshanda? Ko, haazi iye agere patafura here? Asi ini ndiri pakati penyu saiye anoshanda.
28 Imi ndimi vaya vakamira neni pamiedzo yangu.
29 Uye ndinokupai umambo, sababa vangu vakandipa umambo,
30 kuitira kuti mugodya nokunwa patafura yangu muumambo hwangu, mugogara pazvigaro zvoushe, muchitonga marudzi gumi navaviri avaIsraeri.
31 “Simoni, Simoni, Satani akumbira kuti akuzungure segorosi.
32 Asi ndakunyengeterera, Simoni, kuti rutendo rwako rurege kupera. Uye paunenge watendeuka, usimbise hama dzako.”
33 Asi iye akapindura akati, “Ishe, ndakagadzirira kuenda nemi mutorongo uye kufa nemi.”