57 Asi iye akaramba izvozvo uye akati, “Iwe mukadzi, handimuzivi ini.”
58 Kwapera chinguvana, mumwezve akamuona akati, “Newewo uri mumwe wavo.”Petro akapindura akati, “Iwe murume, handizi!”
59 Shure kweawa imwe chete mumwezve akauya akati, “Zvirokwazvo munhu uyu akanga anaye, nokuti muGarirea.”
60 Petro akapindura akati, “Iwe murume, handitombozivi zvauri kutaura nezvazvo!” Achiri kutaura, jongwe rakabva rarira.
61 Ishe akatendeuka akatarisa akanyatsonanga Petro. Ipapo Petro akarangarira shoko rakanga rataurwa kwaari naShe rokuti, “Nhasi jongwe risati rarira, uchandiramba katatu.”
62 Ipapo akabuda kunze akandochema zvikuru.
63 Varume vakanga vachirinda Jesu vakatanga kumuseka nokumurova.