8 Jesu akatuma Petro naJohani, achiti, “Endai mundotigadzirira Pasika tidye.”
9 Vakati, “Munoda kuti tikugadzirirei kupiko?”
10 Iye akapindura akati, “Pamunopinda muguta, muchasangana nomurume akatakura chirongo chemvura. Mumutevere iyeye kuimba yaanosvikopinda,
11 mugoti kumuridzi wemba, ‘Mudzidzisi ari kubvunza kuti: Imba yavaeni iripiko, umo mandingadyira Pasika navadzidzi vangu?’
12 Achakuratidzai imba huru yapamusoro, yakarongedzwa zvose. Mugadzire imomo.”
13 Vakaenda vakandowana zvinhu zvakangoita sezvavakanga vaudzwa naJesu. Saka vakagadzira Pasika imomo.
14 Nguva yakati yasvika, Jesu navapostori vake vakagara patafura.