11 Asi havana kutenda vakadzi ava, nokuti mashoko avo ainge upenzi kwavari.
12 Zvisinei hazvo, Petro, akasimuka, akamhanyira kuguva. Akakotama, akaona micheka iri yoga, ndokubva adzokera kumba, achishamisika mumwoyo make nezvakanga zvaitika.
13 Zvino musi mumwe chete iwoyo, varume vaviri vakanga vachienda kumusha wainzi Emausi, makiromita anenge gumi nerimwe chete kubva kuJerusarema.
14 Vakanga vachitaurirana pamusoro pezvinhu zvose zvakanga zvaitika.
15 Vachiri kutaura nokukurukurirana pamusoro pezvinhu izvi, Jesu pachake akabva asvika uye akafamba navo;
16 asi meso avo akabatwa zvokuti havana kumuziva.
17 Akavabvunza akati, “Muri kukurukurirana pamusoro peiko, zvamuri kufamba kudai?”Vakamira vakanyarara, zviso zvavo zvakasuwa.