1 Mugore regumi neshanu rokutonga kwaTibheriasi Kesari, Pondio Pirato paakanga ari mubati weJudhea, Herodhi ari mubati weGarirea, munun'una wake Firipi ari mubati weIturea neTirakoniti, uye Risania ari mubati weAbhurini,
2 panguva youprista hwaAnasi naKefasi, shoko raMwari rakasvika kuna Johani mwanakomana waZekaria mugwenga.
3 Iye akaenda munyika yose yakapoteredza Jorodhani, achiparidza rubhabhatidzo rwokutendeuka kuti vanhu varegererwe zvivi.
4 Sezvazvakanyorwa mubhuku ramashoko aIsaya muprofita zvichinzi:“Inzwi rounodana murenje,‘Gadzirai nzira yaShe,ruramisai migwagwa yake.
5 Mipata yose ichafushirwa,makomo ose nezvikomo zvichaderedzwa.Migwagwa yakakombama ichatwasanudzwa,pasakaenzana pachaenzaniswa.