23 Zvino Jesu pachake akanga ava namakore anenge makumi matatu paakatanga ushumiri hwake. Akanga ari mwanakomana, sokuonekwa kwazvo, waJosefa,mwanakomana waHeri,
24 mwanakomana waMatati,mwanakomana waRevhi,mwanakomana waMereki,mwanakomana waJani,mwanakomana waJosefa,
25 mwanakomana waMatatiasi,mwanakomana waAmosi,mwanakomana waNahumi,mwanakomana waEsiri,mwanakomana waNagai,
26 mwanakomana waMaati,mwanakomana waMatatiasi,mwanakomana waSemeini,mwanakomana waJoseki,mwanakomana waJodha,
27 mwanakomana waJoanani,mwanakomana waResa,mwanakomana waZerubhabheri,mwanakomana waShearitieri,mwanakomana waNeri,
28 mwanakomana waMereki,mwanakomana waAdhi,mwanakomana waKosamu,mwanakomana waErimadhami,mwanakomana waEri,
29 mwanakomana waJoshua,mwanakomana waEriezeri,mwanakomana waJerimi,mwanakomana waMatati,mwanakomana waRevhi,