10 Nokuti kwakanyorwa kuchinzi:“ ‘Iye acharayira vatumwa vake pamusoro pakokuti vakuchengete kwazvo;
11 vachakusimudza mumaoko avo,kuti rutsoka rwako rurege kugumburwa padombo.’ ”
12 Jesu akati, “Zvinonzi, ‘Usaedza Ishe Mwari wako.’ ”
13 Satani akati apedza kuedza kwake kwose uku, akabva paari kusvikira pane imwe nguva.
14 Jesu akadzokera kuGarirea musimba roMweya, uye shoko pamusoro pake rakapararira kumativi ose enyika.
15 Akadzidzisa mumasinagoge avo, uye munhu wose akamurumbidza.
16 Akaenda kuNazareta, kwaakanga arerwa, uye nomusi weSabata akapinda musinagoge, setsika yake. Akasimuka kuti averenge.