5 Satani akamutungamirira kunzvimbo yakakwirira uye akamuratidza pakarepo umambo hwose hwenyika.
6 Akati kwaari, “Ndichakupa simba rahwo rose nokubwinya kwahwo, nokuti ndakahupiwa, uye ini ndinogona kuhupa kuna ani zvake wandinoda.
7 Saka kana ukandinamata, huchava hwako hwose.”
8 Jesu akapindura akati, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Namata Ishe Mwari wako umushumire iye oga.’ ”
9 Satani akamutungamirira kuJerusarema akamuita kuti amire pachiruvi chetemberi. Akati kwaari, “Kana uri mwanakomana waMwari, zviwisire pasi uchibva pano.
10 Nokuti kwakanyorwa kuchinzi:“ ‘Iye acharayira vatumwa vake pamusoro pakokuti vakuchengete kwazvo;
11 vachakusimudza mumaoko avo,kuti rutsoka rwako rurege kugumburwa padombo.’ ”