11 Asi ivo vakatsamwa kwazvo vakatanga kutaurirana zvavangaita kuna Jesu.
12 Nerimwe ramazuva iwayo, Jesu akabuda akaenda kugomo kuti andonyengetera, uye akapedza usiku hwose achinyengetera kuna Mwari.
13 Fume mangwana, akadana vadzidzi vake akasarudza gumi navaviri pakati pavo, avo vaakatumidza kuti vapostori:
14 Simoni (uyo waakatumidza kuti Petro), munun'una wake Andirea, Jakobho, Johani, Firipi, Bhatoromeo,
15 Mateo, Tomasi, Jakobho mwanakomana waArifeasi, Simoni ainzi muZeroti,
16 Judhasi mwanakomana waJakobho, naJudhasi Iskarioti, uyo akazova mupanduki.
17 Akaburuka navo akandomira panzvimbo yakanga yakaenzana. Ungano huru yavadzidzi vake yakanga iripo uye vanhu vazhinji vaibva muJudhea yose, vaibva kuJerusarema, uye navaibva kumuganhu weTire neSidhoni,