15 Mateo, Tomasi, Jakobho mwanakomana waArifeasi, Simoni ainzi muZeroti,
16 Judhasi mwanakomana waJakobho, naJudhasi Iskarioti, uyo akazova mupanduki.
17 Akaburuka navo akandomira panzvimbo yakanga yakaenzana. Ungano huru yavadzidzi vake yakanga iripo uye vanhu vazhinji vaibva muJudhea yose, vaibva kuJerusarema, uye navaibva kumuganhu weTire neSidhoni,
18 vakanga vauya kuzomunzwa uye kuti vazoporeswa pahosha dzavo. Vaya vakanga vachimanikidzwa nemweya yakaipa vakaporeswa,
19 uye vanhu vose vakaedza kumubata, nokuti simba rakanga richibuda maari uye richivaporesa vose.
20 Akatarira kuvadzidzi vake, akati:“Makaropafadzwa imi varombo,nokuti umambo hwaMwari ndohwenyu.
21 Makaropafadzwa imi vane nzara zvino,nokuti muchaguta. Makaropafadzwa imi vanochema zvino, nokuti muchaseka.