22 Makaropafadzwa imi kana vanhu vachikuvengai,vachikutsaurai uye vachikutukai, vachiramba zita renyu serakaipa,nokuda kwoMwanakomana woMunhu.
23 “Farai pazuva iro uye mupembere nomufaro, nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga. Ndiwo matambudzirwo akaitwa vaprofita namadzibaba avo.
24 “Asi mune nhamo imi vapfumi,nokuti makatowana kunyaradzwa kwenyu kare.
25 Mune nhamo imi makaguta zvino,nokuti muchanzwa nzara.Mune nhamo imi vanoseka zvino,Nokuti muchaungudza uye muchachema.
26 Mune nhamo imi kana vanhu vose vachitaura zvakanaka pamusoro penyu,nokuti madzibaba avo akaitira vaprofita venhema zvakadaro.
27 “Asi ndinokuudzai imi munondinzwa kuti: Idai vavengi venyu, itai zvakanaka kuna avo vanokuvengai,
28 ropafadzai vanokutukai, nyengetererai vaya vanokunetsai.