24 “Asi mune nhamo imi vapfumi,nokuti makatowana kunyaradzwa kwenyu kare.
25 Mune nhamo imi makaguta zvino,nokuti muchanzwa nzara.Mune nhamo imi vanoseka zvino,Nokuti muchaungudza uye muchachema.
26 Mune nhamo imi kana vanhu vose vachitaura zvakanaka pamusoro penyu,nokuti madzibaba avo akaitira vaprofita venhema zvakadaro.
27 “Asi ndinokuudzai imi munondinzwa kuti: Idai vavengi venyu, itai zvakanaka kuna avo vanokuvengai,
28 ropafadzai vanokutukai, nyengetererai vaya vanokunetsai.
29 Kana mumwe akakurova rimwe dama, mupezve rimwe racho. Kana mumwe akakutorera nguo yako yokunze, usamudzivisa kutorawo nguo yomukati.
30 Upe vose vanokukumbira, uye kana ani zvake akatora chinhu chako, usagombedzera kuti chidzoke.