1 Jesu akati apedza kutaura zvose izvi vanhu vachizvinzwa, akapinda muKapenaume.
2 Imomo maiva nomuranda womukuru wezana, uyo aidiwa chose natenzi wake, akanga achirwara uye ava kuda kufa.
3 Mukuru wezana akanzwa nezvaJesu uye akatuma vamwe vakuru vavaJudha kwaari, achimukumbira kuti auye kuzoporesa muranda wake.
4 Vakati vasvika kuna Jesu, vakamukumbira zvikuru vachiti, “Munhu uyu akafanira kuti mumuitire izvi,
5 nokuti anoda rudzi rwedu uye ndiye akavaka sinagoge redu.”Naizvozvo Jesu akaenda navo.