44 Ipapo akatendeukira kumukadzi ndokuti kuna Simoni, “Unoona here mukadzi uyu? Ndapinda mumba mako; hauna kundipa kana mvura yokugeza tsoka dzangu, asi uyu anyorovesa tsoka dzangu nemisodzi yake uye akadzipukuta nebvudzi romusoro wake.
45 Iwe hauna kunditsvoda, asi mukadzi uyu, kubvira panguva yandapinda, haana kurega kutsvoda tsoka dzangu.
46 Iwe hauna kuzodza musoro wangu namafuta, asi iye adira zvinonhuwira patsoka dzangu.
47 Naizvozvo, ndinokuudza kuti zvivi zvake zvizhinji zvaregererwa nokuti iye ada zvikuru. Asi uya akaregererwa zvishoma, anodawo zvishoma.”
48 Ipapo Jesu akati kwaari, “Zvivi zvako zvaregererwa.”
49 Vamwe vakanga vakokwa vakatanga pakati pavo kuti, “Ndianiko anoti kunyange nezvivi anokanganwira?”
50 Jesu akati kumukadzi, “Kutenda kwako kwakuponesa; chienda norugare.”