1 Jesu akati aunganidza vadzidzi vake pamwe chete, akavapa simba nechikuriri kuti vadzinge madhimoni nokuporesa zvirwere,
2 akavatuma kuti vandoparidza umambo hwaMwari nokuporesa vairwara.
3 Akavarayira akati, “Musatakura chinhu parwendo, mudonzvo, kana hombodo, kana chingwa, kana mari, kana imwe nguo.
4 Muimba ipi neipi yamunopinda, mugaremo kusvikira mabva muguta imomo.
5 Kana vanhu vasingakugamuchiriyi, muzunze guruva retsoka dzenyu pamunenge mabuda muguta ravo, chive chapupu pamusoro pavo.”
6 Saka vakasimuka vakabuda vakaenda kumusha nomusha, vachiparidza vhangeri nokuporesa vanhu kwose kwose.