2 Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu nokuna Ishe Jesu Kristu ngazvive kwamuri.
3 Kurumbidza ngakuve kuna Mwari Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, iye akatiropafadza muchadenga nokuropafadza kwose kwomweya muna Kristu Jesu.
4 Nokuti akatisarudza maari nyika isati yasikwa kuti tive vatsvene vasina chavanopomerwa pamberi pake. Murudo
5 akatitemera kare kuti tiitwe savana vake kubudikidza naJesu Kristu, maererano nomufaro wake uye nokuda kwake,
6 kuti kunakisisa kwenyasha dzake dzaakangotipa hake muna Iye waanoda kurumbidzwe.
7 Iye watine dzikunuro maari kubudikidza neropa rake, iko kuregererwa kwezvivi, zviri maererano nokupfuma kwenyasha dzaMwari
8 dzaakawanza pamusoro pedu nouchenjeri hwose uye nokunzwisisa kwose.