12 Maari uye kubudikidza nokutenda kwaari tigone kusvika kuna Mwari takasununguka uye tisingatyi.
13 Naizvozvo, ndinokukumbirai, kuti murege kuora mwoyo nokuda kwamatambudziko angu nokuda kwenyu, ndiko kukudzwa kwenyu.
14 Nokuda kwaizvozvi, ndinopfugama namabvi pamberi paBaba,
15 avo kubva kwavari mhuri yavo yose iri mudenga uye napanyika inowana zita rayo.
16 Ndinonyengetera kuti kubva papfuma yokubwinya kwavo vakusimbisei nesimba noMweya wavo mumunhu womukati,
17 kuti Kristu agare mumwoyo yenyu nokutenda. Uye ndinonyengetera kuti imi, muve nemidzi uye musimbiswe murudo,
18 muve nesimba, pamwe chete navatsvene vose, kuti mubate kuti kupamhamha, nokureba uye kukwirira, nokudzika kworudo rwaKristu kwakadii,