3 kuti chakavanzika chakaziviswa kwandiri nokuzarurirwa, sezvandakatonyora zvishoma.
4 Mukuverenga izvi, ipapo muchagona kunzwisisa kuziva kwangu muchakavanzika chaKristu,
5 chisina kuziviswa kuvanhu kana mamwe marudzi sezvachakaratidzwa zvino noMweya kuvapostori navaprofita vatsvene vaMwari.
6 Chakavanzika ichi ndechokuti, kubudikidza nevhangeri, vaHedheni vadyi venhaka pamwe chete navaIsraeri uye inhengo pamwe chete dzomuviri mumwe chete, vagovani pamwe chete muchivimbiso chiri muna Kristu Jesu.
7 Ndakava muranda wevhangeri iri nechipo chenyasha dzaMwari dzakapiwa kwandiri kubudikidza nokushanda kwesimba rake.
8 Kunyange ndiri muduku pavanhu vose vaMwari, idzi nyasha dzakapiwa kwandiri: kuti ndiparidze vhangeri kuvaHedheni pfuma yaKristu isingawanikwi;
9 uye kuti ndiratidze pachena kuvanhu vose kugoverwa kwechakavanzika ichi, icho panguva yakare chakanga chakavigwa muna Mwari, iye akasika zvinhu zvose.