22 Makadzidziswa, maererano namafambiro enyu ekare, kuti mubvise munhu wenyu wekare, anoodzwa nokuchiva kwokunyengera;
23 kuti muitwe vatsva mukufunga kwendangariro dzenyu;
24 uye mufuke munhu mutsva, akasikwa kuti afanane naMwari mukururama kwechokwadi noutsvene.
25 Naizvozvo mumwe nomumwe wenyu anofanira kubvisa nhema uye ataure chokwadi kuno muvakidzani wake, nokuti isu tose tiri nhengo dzomuviri mumwe.
26 “Mukutsamwa kwenyu, musatadza.” Musarega zuva richivira muchaka-ngotsamwa,
27 uye musapa dhiabhori chinzvimbo.
28 Uyo akanga achimboba ngaarege kuzobazve, asi anofanira kushanda, achiita zvinhu zvinobatsira namaoko ake, kuti ave nechaangagovera avo vanoshayiwa.