5 Ishe mumwe, kutenda kumwe, rubhabhatidzo rumwe;
6 Mwari mumwe uye Baba vavose, ari pamusoro pavose, uye kubudikidza navose, uye muna vose.
7 Asi kuno mumwe nomumwe wedu kwakapiwa nyasha sokugoverwa kwadzakaitwa naKristu.
8 Ndokusaka zvichinzi:“Paakakwira kudenga,akatapa utapwauye akapa zvipo kuvanhu vake.”
9 (Zvinorevei kuti “akakwira” asi kuti akaburukawo kumativi ari pasi enyika?
10 Iye akaburuka ndiye chaiye akakwira kumusoro-soro kupfuura kudenga denga, kuitira kuti azadze pasi pose.)
11 Ndiye akapa vamwe kuti vave vapostori, vamwe kuti vave vaprofita, vamwe kuti vave vavhangeri, uye vamwe kuti vave vafudzi navadzidzisi,