18 Musadhakwa newaini, nokuti ndipo pano kusazvidzora. Asi, muzadzwe noMweya.
19 Mutaure kuno mumwe nomumwe namapisarema, nedzimbo uye nenziyo dzomweya. Muimbe uye muridzire Ishe mimhanzi mumwoyo yenyu,
20 muchivonga Mwari Baba pazvinhu zvose, muzita raIshe wedu Jesu Kristu.
21 Muzviise pasi pomumwe nomumwe muchitya Kristu.
22 Vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu sezvamunoita kuna She.
23 Nokuti murume musoro womukadzi saKristu ari musoro wekereke, iwo muviri wake, iyo yaari muponesi wayo.
24 Zvino sezvo kereke ichizviisa pasi paKristu, saizvozvowo vakadzi vanofanira kuzviisa pasi pavarume vavo pazvinhu zvose.