1 Pauro naTimoti, varanda vaKristu Jesu,Kuvatsvene vose muna Kristu Jesu vari paFiripi, pamwe chete navatariri navadhikoni vekereke:
2 Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari Baba nokuna Ishe Jesu Kristu.
3 Ndinovonga Mwari wangu nguva dzose pandinokurangarirai.
4 Muminyengetero yangu yose nokuda kwenyu mose, ndinogara ndichinyengetera nomufaro
5 nokuda kwokunzwanana kwenyu muvhangeri kubvira pazuva rokutanga kusvikira zvino,