4 Mumwe nomumwe wenyu ngaarege kungotsvaka zvake, asi zvavamwewo.
5 Kufunga kwenyu ngakuve sokwaKristu Jesu:
6 Uyo, kunyange aiva Mwari chaiye,haana kufunga kuti kuenzana naMwari chinhu chingabatisiswa,
7 asi akazviita chinhu pasina,akatora chimiro chomuranda chaiye,akaitwa somunhu.
8 Uye akati awanikwa ane chimiro chomunhu,akazvininipisa uye akateerera kusvikira pakufa,kunyange rufu pamuchinjikwa.
9 Naizvozvo Mwari akamukudza panzvimbo yapamusoro-soro,uye akamupa zita riri pamusoro pamazita ose,
10 kuti muzita raJesu mabvi ose apfugame,mudenga napanyika uye napasi penyika,