1 Sezvo, zvino, makamutswa pamwe chete naKristu, isai mwoyo yenyu pazvinhu zviri kumusoro, uko kugere Kristu kuruoko rworudyi rwaMwari.
2 Isai pfungwa dzenyu pazvinhu zviri kumusoro, kwete pazvinhu zvenyika.
3 Nokuti makafa, uye upenyu hwenyu hwakavigwa zvino naKristu muna Mwari.
4 Panoonekwa Kristu, iye upenyu hwenyu, ipapo nemiwo muchaonekwa pamwe chete naye mukubwinya.