1 Pauro, muranda waJesu Kristu, akadanwa kuti ave mupostori uye akatsaurirwa vhangeri raMwari,
2 vhangeri raakavimbisa kare kubudikidza navaprofita vake muMagwaro Matsvene
3 pamusoro poMwanakomana wake, uyo pakuberekwa kwake somunhu akanga ari chizvarwa chaDhavhidhi,
4 uye akaratidzwa nesimba kubudikidza naMweya Mutsvene kuti ndiye Mwanakomana waMwari, nokumuka kwake kubva kuvakafa: Jesu Kristu Ishe wedu.
5 Kubudikidza naye uye nokuda kwezita rake, takagamuchira nyasha noupostori, kuti tidane vanhu kubva pakati pavaHedheni vose kuti vave nokuteerera kunobva pakutenda.
6 Uye nemiwo muri pakati paavo vakadanwa kuti muve vaJesu Kristu.
7 Kuna vose vari muRoma vanodiwa naMwari uye vakadanwa kuti vave vatsvene:Nyasha norugare ngazvive nemi zvinobva kuna Mwari Baba vedu, nokuna Ishe Jesu Kristu.