16 Asi havazi vaIsraeri vose vakagamuchira mashoko akanaka. Nokuti Isaya anoti, “Ishe, ndianiko akatenda zvatakaparidza?”
17 Naizvozvo, kutenda kunouya nokunzwa, uye kunzwa neshoko raKristu.
18 Asi ndinobvunza kuti: Havana kunzwa here? Zvirokwazvo vakanzwa, nokuti:“Inzwi ravo rakasvika kunyika yose,namashoko avo kumigumo yenyika.”
19 Ndinobvunzazve kuti: Israeri haina kunzwa here? Pakutanga Mozisi anoti,“Ndichamutsa godo renyu norudzi rusati rwuri rudzi;Ndichamutsa kutsamwa kwenyu norudzi rusinganzwisisi.”
20 Uye Isaya, asingatyi anoti,“Ndakawanikwa navasina kunditsvaka;Ndakazviratidza kuna vaya vasina kunditsvaka.”
21 Asi pamusoro peIsraeri anoti,“Zuva rose ndakatambanudza maoko angu kuvanhu vasingateereri,uye vanokakavara.”