29 nokuti zvipo zvaMwari nokudana kwake hazvishandurwi.
30 Nokuti sezvo imi makanga musingateereri Mwari pane imwe nguva magamuchira ngoni zvino nokuda kwokusateerera kwavo,
31 saizvozvo naivowo zvino havachateereri kuitira kuti vagamuchire ngoni nokuda kwengoni dzaMwari kwamuri.
32 Nokuti Mwari akapfigira vanhu vose pakusateerera kwavo, kuti avanzwire ngoni vose.
33 Haiwa, udzamu hwokupfuma kwouchenjeri noruzivo rwaMwari!Kutonga kwake hakunganzverwi,uye makwara ake haangarondwi!
34 “Ndianiko akaziva pfungwa dzaShe?Kana akava mupi wake wamazano?”
35 “Ndianiko akambopa kuna Mwarikuti Mwari angamuripirazve?”