11 Musatomborega kushingaira, asi pisai pamweya, muchishumira Ishe.
12 Farai mutariro, tsungirirai pakutambudzika, rambai muchinyengetera.
13 Goveranai navanhu vaMwari vanoshayiwa. Itirai vaeni rudo.
14 Ropafadzai vanokutambudzai; ropafadzai musatuka.
15 Farai navanofara; chemai navanochema.
16 Garai zvakanaka mumwe nomumwe. Musazvikudza, asi muve nechido chokufambidzana navanhu vapasi pasi. Musazviita vakachenjera.
17 Musatsiva munhu chakaipa nechakaipa. Chenjererai kuti muite zvakanaka pamberi pavanhu vose.