10 Uyezve zvinonzi,“Farai imi vaHedheni, pamwe chete navanhu vake.”
11 Uyezve,“Rumbidzai Ishe, imi vaHedheni vose,uye muimbirei nziyo dzokurumbidza, imi marudzi ose.”
12 Uyezve, Isaya anoti,“Mudzi waJese uchatunga,iye achamuka kuzotonga pamusoro pendudzi dzose;vaHedheni vachava netariro maari.”
13 Mwari wetariro ngaakuzadzei nomufaro wose norugare pamunovimba naye, kuti muve netariro izere, nesimba raMweya Mutsvene.
14 Ini pachangu ndinoziva kwazvo, hama dzangu, kuti imi pachenyu muzere nokunaka, makakwana muruzivo uye munogona kudzidzisana.
15 Ndakunyorerai nokushinga kwazvo pamusoro pezvimwe zvinhu, sendinokuyeuchidzai zvakare, nokuda kwenyasha dzandakapiwa naMwari
16 kuti ndive mushumiri waKristu Jesu kuvaHedheni, ane basa rouprista rokuparidza vhangeri raMwari, kuitira kuti vaHedheni vagova chipiriso chinogamuchirwa kuna Mwari, chakanatswa naMweya Mutsvene.