3 Nokuti kunyange Kristu haana kuzvifadza asi, sezvazvakanyorwa zvichinzi, “Kutuka kwaavo vakakutuka kwakawira pamusoro pangu.”
4 Nokuti zvose zvakanyorwa kare zvakanyorerwa kuti zvidzidzise isu, kuitira kuti, kubudikidza nokutsungirira nokukurudzira kwamagwaro, tive netariro.
5 Mwari anopa kutsungirira nokukurudzira ngaakupei mweya wokuva nomwoyo mumwe pakati penyu pamunenge muchitevera Kristu Jesu,
6 kuti mukudze Mwari naBaba waIshe wedu Jesu Kristu nomwoyo mumwe uye nomuromo mumwe.
7 Naizvozvo, gamuchiranai, sezvamaka-gamuchirwa naKristu, kuti Mwari arumbidzwe.
8 Nokuti ndinoti kwamuri Kristu akava muranda wavaJudha akamirira zvokwadi yaMwari, kuti asimbise zvakapikirwa madzibaba
9 kuti vaHedheni vakudze Mwari nokuda kwengoni dzake, sezvazvakanyorwa zvichinzi:“Naizvozvo ndichakurumbidzai pakati pavaHedheni;ndichaimbira zita renyu nziyo.”