7 Naizvozvo, gamuchiranai, sezvamaka-gamuchirwa naKristu, kuti Mwari arumbidzwe.
8 Nokuti ndinoti kwamuri Kristu akava muranda wavaJudha akamirira zvokwadi yaMwari, kuti asimbise zvakapikirwa madzibaba
9 kuti vaHedheni vakudze Mwari nokuda kwengoni dzake, sezvazvakanyorwa zvichinzi:“Naizvozvo ndichakurumbidzai pakati pavaHedheni;ndichaimbira zita renyu nziyo.”
10 Uyezve zvinonzi,“Farai imi vaHedheni, pamwe chete navanhu vake.”
11 Uyezve,“Rumbidzai Ishe, imi vaHedheni vose,uye muimbirei nziyo dzokurumbidza, imi marudzi ose.”
12 Uyezve, Isaya anoti,“Mudzi waJese uchatunga,iye achamuka kuzotonga pamusoro pendudzi dzose;vaHedheni vachava netariro maari.”
13 Mwari wetariro ngaakuzadzei nomufaro wose norugare pamunovimba naye, kuti muve netariro izere, nesimba raMweya Mutsvene.