1 Ndinoreverera kwamuri hanzvadzi yedu Febhi, muranda wekereke iri paSeniseria.
2 Ndinokukumbirai kuti mumugamuchire muna She sezvinofanira vatsvene uye mumubatsire pazvinhu zvose zvaangashayiwa, nokuti akabatsira zvikuru vanhu vazhinji, kusanganisira neniwo.
3 Kwazisai Pirisira naAkwira, vanobata neni muna Kristu Jesu.
4 Vakaisa upenyu hwavo panjodzi nokuda kwangu. Kwete ini ndoga asi kuti nekereke dzose dzavaHedheni dzinovatenda zvikuru.
5 Kwazisaiwo kereke inosangana mumba mavo.Kwazisai Epenetasi mudikani wangu, ndiye akava chibereko changu chokutanga muna Kristu munyika yeEzhia.
6 Kwazisai Maria, akakushandirai kwazvo.