18 Nokuti vanhu vakadaro havasi kushumira Ishe wedu Kristu, asi dumbu ravo. Nokutaura kwakanaka uye nokubata kumeso, vanonyengera vanhu vane pfungwa dzisina uchenjeri.
19 Vanhu vakanzwa zvokuteerera kwenyu, naizvozvo ndine mufaro mukuru pamusoro penyu; asi ndinoda kuti muve vakachenjera pane zvakanaka, uye muve vasina chavanopomerwa pane zvakaipa.
20 Mwari worugare achakurumidza kupwanya Satani pasi petsoka dzenyu.Nyasha dzaIshe wedu Jesu ngadzive nemi.
21 Timoti, anobata neni, anokukwazisai, sezvinoita Rusiasi naJasoni naSosipata, hama dzangu.
22 Ini Teritiasi, ndanyora tsamba iyi ndinokukwazisai muna She.
23 Gayosi, uyo akandigamuchira ini nekereke yose iri kuno, anokukwazisai.Erasitosi mubati wehomwe yemari yeguta nehama yedu Kwatosi vanokukwazisai.
24 Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemi mose. Ameni.