9 Zvino tichatiiko? Tinovapfuura here? Kwete napaduku pose! Nokuti tambopa vose mhosva vaJudha navaHedheni yokuva pasi pechivi.
10 Sezvazvakanyorwa zvichinzi:“Hakuna akarurama, kunyange nomumwe;
11 hakuna anonzwisisa,hakuna anotsvaka Mwari.
12 Vose vakatsauka,vose pamwe chete vakava vasina maturo;hapana kana mumwe anoita zvakanaka,kana mumwe zvake.”
13 “Huro dzavo makuva akashama;ndimi dzavo dzinotaura unyengeri.”“Uturu hwenyoka huri pamiromo yavo.”
14 “Miromo yavo izere nokutuka nokuvava.”
15 “Tsoka dzavo dzinokurumidza kuteura ropa;