29 Zvakaita sezvakamborehwa naIsaya achiti,“Dai asiri Jehovha Wamasimba Oseakatisiyira zvizvarwa,tingadai takaita seSodhomutingadai takaita seGomora.”
30 Zvino tichatiiko? Tichati vaHedheni vasina kutsvaka kururama, ndivo vakakuwana, iko kururama kwokutenda;
31 asi vaIsraeri vakatevera murayiro wokurarama, havana kukuwana.
32 Seiko zvisina kudaro? Nokuti havana kuutevera nokutenda asi sokunge namabasa avo. Vakagumburwa neibwe “rinogumbusa.”
33 Sezvazvakanyorwa zvichinzi:“Tarira, ndinoisa paZioni ibwe rinogumbusa kuvanhu,nedombo rinovapinganidza kuti vawe,uye uyo anotenda kwaari haanganyadziswi.”