14 Kana ukafamba munzira dzangu nokuteerera mitemo yangu nemirayiro yangu sezvakaita Dhavhidhi baba vako, ndichakupa upenyu hurefu.”
15 Ipapo Soromoni akamuka, akabva aziva kuti kwakanga kuri kurota.Akadzokera kuJerusarema, akamira pamberi peareka yesungano yaJehovha akabayira zvipiriso zvinopiswa, akabayirawo zvipiriso zvokuyananisa. Ipapo akaitira varanda vake vose mutambo.
16 Zvino vakadzi vaviri vaiva zvifeve vakauya kuna mambo vakamira pamberi pake.
17 Mumwe wavo akati, “Ishe wangu, mukadzi uyu neni tinogara muimba imwe chete. Ini ndakapona mwana iye aripowo.
18 Zvino nezuva rechitatu mushure mokuberekwa kwomwana wangu, mukadzi uyu akaponawo mwana. Takanga tiri toga; hapana mumwe munhu akanga ari mumba kunze kwedu isu vaviri.
19 “Usiku ihwohwo mwana womukadzi uyu akafa, nokuti akavata pamusoro pake.
20 Saka akamuka pakati pousiku akatora mwanakomana wangu kubva parutivi pangu, ini muranda wenyu ndivete. Akamuisa pachipfuva chake akaisa mwanakomana wake akafa pachipfuva changu.