48 Soromoni akaitawo midziyo yose yaiva mutemberi maJehovha:aritari yegoridhe;tafura yegoridhe yaiva nechingwa choKuvapo, pamusoro payo;
49 zvigadziko zvemwenje zvegoridhe rakaisvonaka (zvishanu kurudyi nezvishanu kuruboshwe pamberi penzvimbo tsvene yomukati);maruva, mwenje nembato, zvegoridhe;
50 makapu, zvidzimiso zvemwenje, madhishi, madhishi ezvinonhuwira nezvaenga zvomoto, zvegoridhe rakaisvonaka;zvibato zvamakonhi ekamuri yomukatikati memba, Nzvimbo Tsvene-tsvene, namakonhi eimba huru, zvakanga zviri zvegoridhe.
51 Zvino basa rose rakaitwa naMambo Soromoni patemberi yaJehovha parakapera, Soromoni akauyisa zvinhu zvakanga zvakumikidzwa nababa vake Dhavhidhi, midziyo yesirivha negoridhe, akazvichengeta mumatura epfuma yetemberi yaJehovha.