58 Ngaaite kuti mwoyo yedu yose ive yake, kuti tifambe munzira dzake dzose tichichengeta mirayiro, mitemo nezvaakareva izvo zvaakapa madzibaba edu.
59 Zvino mashoko angu aya, andanyengetera pamberi paJehovha, ngaave pedyo naJehovha Mwari wedu masikati nousiku, kuti asimudzire zvinorwirwa nomuranda wake nezvinorwirwa navanhu vake Israeri nezvinenge zvichidiwa zuva nezuva,
60 kuti vanhu vose vapanyika vazive kuti Jehovha ndiMwari, uye kuti hakuna mumwe.
61 Asi mwoyo yenyu inofanira kuva yakapiwa zvachose kuna Jehovha Mwari wedu, kuti murarame nemitemo yake uye muteerere mirayiro yake sezvamuri kuita iye zvino.”
62 Zvino mambo navaIsraeri vose vakabayira zvibayiro pamberi paJehovha.
63 Soromoni akabayira chibayiro chezvipiriso zvokuyanana kuna Jehovha; zviuru makumi maviri nezviviri zvemombe nezviuru zana namakumi maviri zvamakwai nembudzi. Saizvozvo mambo navaIsraeri vose vakakumikidza temberi yaJehovha.
64 Musi iwoyo mambo akakumikidza chikamu chapakati chechivanze chaiva pamberi petemberi yaJehovha, uye ndipo paakabayira zvipiriso zvinopiswa, zvipiriso zvembeu, namafuta ezvipiriso zvokuyanana nokuti aritari yendarira yaiva pamberi paJehovha yakanga yakanyanya kuita duku kuti ikwane zvipiriso zvinopiswa, zvipiriso zvembeu, namafuta ezvipiriso zvokuyanana.