24 Aya ndiwo aiva mabasa aBhenaya mwanakomana waJehoyadha; naiyewo akaita mukurumbira savarume vatatu voumhare.
25 Akakudzwa nokuremekedzwa kukuru kupfuura Vaya Makumi Matatu, akanga asiri pakati paVatatu Vaya. Uye Dhavhidhi akamuita mutariri wavarindi vake.
26 Varume voumhare vaiva: Asaheri munun'una waJoabhu, Erihanani mwanakomana waDhodho aibva kuBheterehema.
27 Shamoti muHarori, Herezi muPeroni,
28 Ira mwanakomana waIkeshi aibva kuTekoa, Abhiezeri aibva kuAnatoti,
29 Sibhekai muHushati, Irai muAhohi,
30 Maharai muNetofati, Heredhi mwanakomana waBhaana muNetofati,