5 vakati kuna Dhavhidhi, “Hamuzopindi muno.” Kunyange zvakadaro Dhavhidhi akatapa nhare yeZioni, Guta raDhavhidhi.
6 Dhavhidhi akanga ati, “Achatungamirira kundorwisa vaJebhusi ndiye achava mukuru wavarwi.” Joabhu mwanakomana waZeruya ndiye akatanga kuenda saka akapiwa utungamiri hwacho.
7 Dhavhidhi akagara munhare yeZioni, saka rakazodaidzwa kuti Guta raDhavhidhi.
8 Akavaka guta richipoteredza, kubva pamihomba yokutsigira kusvikira kurusvingo rwakanga rwakapoteredza, Joabhu achivaka patsva chimwe chikamu chose cheguta.
9 Uye Dhavhidhi akaramba achiva nesimba guru nokuti Jehovha Wamasimba Ose aiva naye.
10 Ava ndivo vaiva vakuru pakati pavarume voumhare vaiva naDhavhidhi, avo pamwe chete neIsraeri yose, vakatsigira umambo hwake zvakasimba kuti husvike munyika yose sokuvimbisa kwakanga kwaita Jehovha.
11 Aya ndiwo mazita avarume voumhare vaiva naDhavhidhi: Jashobheami, muHakimoni, aiva mukuru wamachinda ehondo; akasimudza pfumo rake akarwa navarume mazana matatu, avo vaakauraya pakurwisana panguva imwe chete.