5 kubva kuzvizvarwa zvaKohati,Urieri mutungamiri nehama dzake zana namakumi maviri;
6 kubva kuzvizvarwa zvaMerari,Asaya mutungamiri nehama dzake mazana maviri namakumi maviri;
7 kubva kuzvizvarwa zvaGerishoni,Joere mutungamiri nehama dzake zana namakumi matatu;
8 kubva kuzvizvarwa zvaErizafani,Shemaya mutungamiri nehama dzake mazana maviri;
9 kubva kuzvizvarwa zvaHebhuroni,Erieri mutungamiri nehama dzake makumi masere;
10 kubva kuzvizvarwa zvaUzieri,Aminadhabhi mutungamiri nehama dzake zana negumi navaviri.
11 Ipapo Dhavhidhi akadana Zadhoki naAbhiatari vaprista, naUrieri, Asaya, Joere, Shemaya, Erieri naAminadhabhi vaRevhi.